Mapisarema 35:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.

13. Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,

14. ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.

15. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.

16. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.

17. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

Mapisarema 35