Mapisarema 35:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa.

2. Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire.

3. Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.”

4. Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya.

Mapisarema 35