Mapisarema 32:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.

2. Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.

3. Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.

4. Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera

Mapisarema 32