Mapisarema 29:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.

8. Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.

9. Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10. Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

11. Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Mapisarema 29