8. Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9. Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
10. vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
11. Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
12. Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.