Mapisarema 24:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;

2. nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3. Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4. Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.

5. Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6. Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera

Mapisarema 24