Mapisarema 22:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.

23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

24. Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

25. Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.

26. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!

Mapisarema 22