Mapisarema 20:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2. Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3. Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

4. Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

Mapisarema 20