3. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
4. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.
5. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.
6. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.
7. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;
8. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.
9. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
10. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.
11. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.
12. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.