Mapisarema 18:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

3. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

Mapisarema 18