Mapisarema 16:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

5. Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.

6. Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.

7. Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

Mapisarema 16