1. Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei nyasha pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.
2. Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
3. Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.