Mapisarema 142:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya nemi. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu.

5. Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.”

6. Teererai kuchema kwangu, nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, nokuti vanondikurira simba.

7. Ndibudisei mutorongo, kuti ndirumbidze zita renyu. Ipapo vakarurama vachandipoteredza nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.

Mapisarema 142