Mapisarema 138:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3. Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4. Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5. Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

Mapisarema 138