12. kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”
13. Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,
14. “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,
15. ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.
16. Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.