Mapisarema 129:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati,

2. “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda.

3. Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.”

4. Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa.

5. Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi.

6. Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;

Mapisarema 129