Mapisarema 122:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.”

2. Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.

3. Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo.

4. Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri.

Mapisarema 122