Mapisarema 12:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6. Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.

7. Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8. Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Mapisarema 12