Mapisarema 119:35-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.

36. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.

37. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

38. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.

39. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.

Mapisarema 119