28. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.
29. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.
30. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
31. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.
32. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He
33. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.
34. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.
35. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.