Mapisarema 119:27-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.

28. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.

32. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He

33. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.

Mapisarema 119