Mapisarema 119:174-176 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

174. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

175. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.

176. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.

Mapisarema 119