Mapisarema 119:123-132 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

123. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.

124. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

125. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.

126. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.

127. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,

128. uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Pe

129. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.

130. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

131. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.

132. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.

Mapisarema 119