Mapisarema 119:106-109 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.

Mapisarema 119