103. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
104. Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni
105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.
107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.
108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.