Mapisarema 119:100-104 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

100. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

103. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

104. Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni

Mapisarema 119