Mapisarema 118:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.

19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25. Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26. Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

Mapisarema 118