Mapisarema 109:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6. Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7. Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8. Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9. Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10. Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11. Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12. Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13. Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14. Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15. Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

Mapisarema 109