Mapisarema 109:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

28. Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara.

29. Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30. Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza.

31. Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.

Mapisarema 109