Mapisarema 109:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotakura zvakaipa pamusoro pangu.

21. Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.

22. Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.

23. Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu.

24. Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.

25. Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26. Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.

27. Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

Mapisarema 109