Mapisarema 108:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2. Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.

3. Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4. Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;

Mapisarema 108