Mapisarema 107:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

Mapisarema 107