Mapisarema 106:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.

7. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.

8. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.

9. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.

10. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.

11. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

Mapisarema 106