Mapisarema 106:5-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.

6. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.

7. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.

8. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.

9. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.

10. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.

11. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

12. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.

13. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.

14. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

Mapisarema 106