Mapisarema 104:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.

21. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.

22. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.

23. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

28. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.

29. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.

30. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.

31. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,

Mapisarema 104