Mapisarema 103:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.

7. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:

8. Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

9. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;

10. haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12. sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

Mapisarema 103