Mapisarema 10:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.

9. Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.

10. Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake.

11. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”

12. Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.

13. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”

Mapisarema 10