Mapisarema 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2. Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.

3. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

4. Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.

5. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.

Mapisarema 10