Mako 8:19-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?”Vakati, “Gumi namaviri.”

20. “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?”Vakapindura vakati, “Manomwe.”

21. Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”

22. Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate.

23. Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”

24. Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”

25. Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.

26. Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.”

27. Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”

28. Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti, mumwe wavaprofita.”

29. Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?”Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”

30. Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.

31. Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.

32. Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.

33. Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro akati, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”

Mako 8