1. Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGeraseni.
2. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
3. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.
4. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
5. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
6. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira pamabvi ake mberi kwake.
7. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari woWokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”