Mako 4:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

26. Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.

27. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.

Mako 4