Mako 16:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.

10. Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema.

11. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.

Mako 16