Mako 15:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda wainzi Piritoriamu uye vakaunganidza pamwe chete ungano yose yavarwi.

17. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira ngundu yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake.

18. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”

Mako 15