Mako 11:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”

10. “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”

11. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

12. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

Mako 11