18. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.
20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.
21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.