Mabasa Avapostori 9:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi.

28. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi.

29. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.

Mabasa Avapostori 9