Mabasa Avapostori 7:46-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.

47. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.

48. “Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:

49. “ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.Ko, muchandivakira imba yakaita sei?ndizvo zvinotaura Ishe.Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

Mabasa Avapostori 7