Mabasa Avapostori 7:45-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi,

46. uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.

47. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.

48. “Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:

Mabasa Avapostori 7