Mabasa Avapostori 7:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Paakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti,

32. ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa.

33. “Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.

34. Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’

Mabasa Avapostori 7