2. Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.
3. Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,
4. uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5. Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokoro, Nikano, Timoni, Paminasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
6. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.